Skip to content

Commit

Permalink
Merge pull request #5 from sdini1/master
Browse files Browse the repository at this point in the history
Adding missing entries in the book of Obadiah in the Shona version of…
  • Loading branch information
christos-c authored Nov 11, 2017
2 parents b905e89 + b84059a commit 7f4e886
Showing 1 changed file with 61 additions and 1 deletion.
62 changes: 61 additions & 1 deletion bibles/Shona.xml
Original file line number Diff line number Diff line change
Expand Up @@ -69422,7 +69422,67 @@
<div id="b.Obd" type="book">
<div id="b.Obd.1" type="chapter">
<seg id="b.Obd.1.1" type="verse">
Zvakaonekwa naObhadhiya. Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro paEdhomu, Takanzwa mashoko akabva kuna Jehovha, nhume yatumwa pakati pamarudzi ichiti, Simukai, ngativamukire kuzorwa navo.
Zvakaratidzwa Obhadhia. Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro peEdhomu—Takanzwa shoko rakabva kuna Jehovha richiti: Nhume yakatumwa kundudzi kuti indotaura ichiti, "Simukai, tiende tindorwa hondo naye"—
</seg>
<seg id="b.Obd.1.2" type="verse">
"Tarirai, ndichakudukupisai pakati pendudzi; muchamhurwa zvachose.
</seg>
<seg id="b.Obd.1.3" type="verse">
Kuzvikudza kwemwoyo yenyu kwakakunyengerai, iyemi mugere mumikaha yamatombo muchiita kwakakwirira misha yenyu, imi munoti mumwoyo yenyu, 'Ndianiko angandiburutsira pasi?'
</seg>
<seg id="b.Obd.1.4" type="verse">
Kunyange mukabhururuka segondo mukaruka dendere renyu pakati penyeredzi, kubva ipapo ndichakukandai pasi," ndizvo zvinotaura Jehovha.
</seg>
<seg id="b.Obd.1.5" type="verse">
“Kana mbavha dzikauya kwamuri, kana makororo usiku—Haiwa, muchaparadzwa zvakadiniko—havaizoba kusvikira pavanoda here? Dai vatanhi vamazambiringa vaiuya kwamuri, ko, havaizosiya mazambiringa mashoma here?
</seg>
<seg id="b.Obd.1.6" type="verse">
Asi Esau achasiyiwa seiko asina chinhu, pfuma yake yakavigwa ichatorwa!
</seg>
<seg id="b.Obd.1.7" type="verse">
Vose vaiva nesungano newe vachakumanikidza kusvikira kumuganhu; shamwari dzako dzichakunyengera dzigokukunda; vanodya zvokudya zvako vachakuisira musungo, asi haungazvizivi.
</seg>
<seg id="b.Obd.1.8" type="verse">
“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handingazoparadzi vachenjeri veEdhomu, varume vazere nokunzwisisa pakati pamakomo eEdhomu here?
</seg>
<seg id="b.Obd.1.9" type="verse">
Mhare dzako, iwe Temani, dzichavhunduka, uye vose vari mumakomo aEsau vachaparara pakuurayiwa ikoko.
</seg>
<seg id="b.Obd.1.10" type="verse">
Nokuda kwokuti wakarwisa mununʼuna wako Jakobho, uchafukidzwa nenyadzi; uchaparadzwa nokusingaperi.
</seg>
<seg id="b.Obd.1.11" type="verse">
Zuva iro makamira kure, vatorwa pavakatakura pfuma yake vakaenda nayo, uye vabvakure vakapinda mumasuo ake, vakakanda mijenya pamusoro peJerusarema, iwe wakaita somumwe wavo.
</seg>
<seg id="b.Obd.1.12" type="verse">
Haufaniri kutarisira mununʼuna wako pasi, pazuva rokushayiwa kwake, kana kufara pamusoro pavanhu veJudha, pazuva rokuparadzwa kwavo, kana kuzvikudza zvakanyanya pazuva rokutambudzika kwavo.
</seg>
<seg id="b.Obd.1.13" type="verse">
Hamufaniri kufamba napamasuo avanhu vangu, pazuva renjodzi yavo, kana kuvatarisira pasi vava munjodzi, pazuva renjodzi yavo, kana kuvatorera pfuma yavo pazuva renhamo yavo.
</seg>
<seg id="b.Obd.1.14" type="verse">
Hamufaniri kumira pamharadzano dzenzira, kuti muuraye vanotiza vavo, kana kuisa vakasara vavo kuvavengi vavo, pazuva rokutambudzika kwavo.
</seg>
<seg id="b.Obd.1.15" type="verse">
“Zuva raJehovha rava pedyo kundudzi dzose. Sezvamakaita, ndizvo zvichaitwawo kwamuri; mabasa enyu achadzokera pamisoro yenyu chaiyo.
</seg>
<seg id="b.Obd.1.16" type="verse">
Sezvamakanwa pagomo rangu dzvene, saizvozvowo ndudzi dzose dzicharamba dzichingonwa; dzichanwa nokunwa dzikaita sedzisina kumbovapo.
</seg>
<seg id="b.Obd.1.17" type="verse">
Asi paGomo reZioni pachava nokununurwa; richava dzvene, uye imba yaJakobho ichadzoserwa nhaka yayo.
</seg>
<seg id="b.Obd.1.18" type="verse">
Imba yaJakobho ichava moto, uye imba yaJosefa murazvo womoto; imba yaEsau ichava mashanga, uye vachaipisa nomoto vagoipedza. Hakuzovi navanopona muimba yaEsau.” Jehovha ataura izvozvo.
</seg>
<seg id="b.Obd.1.19" type="verse">
Vanhu vanobva kuNegevhi vachagara mumakomo aEsau, uye vanhu vanobva munyasi mezvikomo vachatora nyika yavaFiristia kuti ive yavo. Vachatora minda yaEfuremu pamwe chete neSamaria, kuti zvive zvavo, uye Benjamini achatora Gireadhi kuti ive yake.
</seg>
<seg id="b.Obd.1.20" type="verse">
Ungano iyi yavaIsraeri vakadzingwa vagere muKenani ichatora nyika kusvikira kuZarefati; vakadzingwa kubva muJerusarema vagere muSefaradhi vachatora maguta eNegevhi.
</seg>
<seg id="b.Obd.1.21" type="verse">
Vaponesi vachakwira pamusoro peGomo reZioni, kuti vandotonga makomo aEsau. Uye ushe huchava hwaJehovha.
</seg>
</div>
</div>
Expand Down

0 comments on commit 7f4e886

Please sign in to comment.